12/05/2020
SECOND CHANCE ❣️
STORY BY DANIEL (KING THA DON)
+27610216686
CHAPTER 43
Makadii zvenyu vaverengi ,ini ndakasimba kunge njanji chaiyo , ndinovimba kuti muri safe kwese kwamuri ...Totenda Musiki nekutichengetedza padenda iri ,uye tinovimba kuti zvichadarika zvese izvi ,Let's keep on praying for God's protection.
Nganonyorwa yedu yava kuenda kumagumo manje tochitanga imwe
To show your support kana waverenga baya like woisa comment kuti ndizive kuti nganonyorwa iri kutsvobida here ...
Malikes akasvika at least 100 ndokanda Final Chapter....
Ndatenda / Thank You /Siyabonga
Keep on supporting King Tha Don 🔥
*DANIEL*
Pachingezi vanoti _*'If it's meant to be then definitely it will be'*_,handina kumbofunga kuti zvichava nyore kuhwinha musikana wangu zvekare ,kusvika kwandakatoitawo pamba pavo uku kwaitongova kuzvishingisa semurume uye semunhu aida munhu wake asi hana yaitove mumaoko ndichitotya kubva ndakabereka tsoka.Mupfungwa dzangu ndaingofunga kuti hapachisina changu kwaingove kungoedzawo ,kutaura chokwadi ndakanyatsoona kuti amai vaAmmara vainge vandivenga zvemandorokwati chaizvo ,neniwo handaimbotarisira kuti vandisekerere pane zvandainge ndaitira mwana wavo .Dzaitove kodzero dzavo kuvhikira mwanasikana wavo ko ndi amai vane mwoyo wekubereka zvee ,hakuna mai vangasiya mwana wavo achiitwa bhora kana kurwadziswa vakatarisa, kunyangwe shiri chaiyo ukatambira pedyo nevana vehurekure mubani unoparira nyama kuzvimba ,unomanyiswa bani rese ukaona moto shungu dziri dzekuchengetedza mwana wayo chete saka amai vaAmmie vaitove nekodzero dzekutondityora makumbo chaiwo kuti ndisafe ndakatsika pamba pavo .Vana amai vanhu vakatikoshera zvikurusa mukurarama kwedu ,munhu ana amai vapenyu haanyatsoona kukomborerwa kwaakaitwa kuva na amai vapenyu asi nherera ndiyo inonyatsoziva kukosha kwa amai.
Kutsamwa kwainge kwakaita mai vaAmmara kwakaita kuti ndifungidzire kuti naiyewo wangu wandainge ndafambira ainge asingatodewo kundiona asi zvakazoitika zvakandikatyamadza zvekuti musi uyu ndiwo wandakaona kusimba kwekapuka kanonzi rudo.Pachingezi zvekare pane kamutsara kanoti _*Love is blind*_,hongu ndicho chokwadi chizere rudo haruone chinoona maziso , vazhinji mudzimba umu varikurohwa kana kuhurirwa asi pamusha pake haabve imhaka yechinhu chinonzi rudo chete ,kutoedza kumuonesa kuti zviri kuitika kwauri hazviiti anotokuudza kuti itai nezvekumba kwenyu mosiyana nekwangu ,hapana chinoita kuti munhu adaro rudo basi.
Kurwara kwese kwandaiita ndirere kumba ndichifunga Ammara pamwe aitondifungawo nekuti zvaakaita akaratidza kuti ainge andisuwa uye ini ndainge ndamusuwisisa asi kungoti handizvo zvandainge ndakatarisira.Kutaura chokwadi hangu ndakafara zvisina kana mukuru akamboona ,kufara kunge benzi rapihwa chokoreti , chakanyanya kufadza mwoyo wangu ndechekuona kuti munhu waunodisisa anokudawo chero wakamuitira zvinorwadza.
Hongu rudo rwedu rwaitoratidza kuti rwainge rwakatosungwa pano pasi pamwe chete nekudenga asi kutadzira kwandainge ndaitira Ammara kwaisabhadharika nekungoti sorry basi asi kuti ndainge ndatomukwereta zvehupenyu hwangu hwese , kubhadhara kwandaingofanira kuita kwaingova kwekungomuita the happiest women in the world ,ndaitozoita whatever it takes kuti agare achifara for the rest of my life .
Chandakadzidza muhupenyu hwangu ndechekuti usamboite maemotional decisions ,hongu paunenge warwadziswa ,wakatsamwa unongoita madecisions anoita sekuti uri kuda kusolver marwadzo kana kutsamwa asi ipapo madecisions anenge achibuda through emotions kwete mupfungwa dzako ,panozodzokedzana pfungwa dzako ndipo paunozoona kuti wabhaiza .
Even mukufara chaimo unogona kusvika padanho rekufarisa mukufarisa imomo woronga zvimwe zvinhu through emotion rekufara iroro wozodemba mangwana saka maemotions haafe akaita decision yekuti unomuka uchifara mangwana asi pfungwa dzinoda kushandiswa nguva dzose .Mistakes and Regrets always come paya paunoita zvinhu zvako usina kudzamisa pfungwa uchishandisa zvauri kunzwa panguva iyoyo anova maemotions zvese izvozvo zvinokukanda mudisaster chaimo .
Ini hangu mbune ndakazvionera pamhino sefodya uye ndakanyatsozvivimbisa kuti muhupenyu hwangu handife ndakadzokorora mistake yekuita zvinhu ndisina kufunga nekuti zvainge zvatozondipinza muna taisireva ndakavarairwa .
Dai rudo rwangu naAmmie rwaive one sided zvichida dai ndakatomulooser for good apa ndiye munhu wandainge ndapa key yemwoyo wangu zvekuti handifunge kuti ndaizokwanisa kurarama asiri p**o nemi ,pamwe ndaigona kutozviuraya or else kusatoda kuona mukadzi pamberi pangu zvese zvichikonzera nedecision yandakaita emotionally ,dai ndaive mu right state of mind ndaisafa ndakamborara na Ashley .
Ndakangotenda Mwari nekuwana soulmate yangu yakaita sa Ammie anokwanisa kuregerera pamwe nekukanganwira ,chero amai vake vainge vachiri vakatsamwa zvavo ndaiziva kuti nekufamba kwenguva vachandiregerera zvavo ,ndaisazoneta kukumbira ruregerero pane zvandakaita nekuti ndaitoda mablessings avo kunge zvekare kuitira kuti relationship yedu ienderere mberi zvakanaka .
Hazvina kuzondinetsa kuhwinha hushamwari hwangu zvekare na Tino mushure mekunge ndadzokerana naAmmara saka ndakaita the happiest man in the world nekuti l managed to get a......
_*SECOND CHANCE OF LIFE*_
_*SECOND CHANCE OF LOVE*_
_*SECOND CHANCE OF FRIENDSHIP*_
and a _*SECOND CHANCE OF HAPPINESS*_ ,pazvese izvi ndaingotenda Mwari nekuti vashoma vanhu vanokwanisa kuzviwanisa zvese kechipiri. Vazhinji mukurarama vapunyukirwa nezvinhu zvavaidisa zvikaramba kudzoka nenguva asi hazvirevi kuti havakwanisi kuzviwana zvekare aiwa zvinongoda kunamata chete nemweya nemuzvokwadi nekuti muhupenyu hwedu hwatorarama pazvinhu zvese _*THERE IS ALWAYS A SECOND CHANCE!!*_...
*AMMARA*
Zvainge zvatongove pachena semutyairi wetarakita kuti amai vangu vainge vasisina kana trust pana Daniel uye kumufarira kwese kwavaiita kubva kare kwainge kwapera kuti hwa-a painge pangosara ruvengo chete.
Kuti nditi vaisada kuti awane mukana wekuti azoite mukawasha wavo kwaitova kurerutsa asi kuti vainge vasisatodi kana kumuona kana kumbonzwa nezvake kana nepaduku pese .Ini ndaisavashora hangu nekuti vaiita zvinongoitwa nevabereki vese kuchengetedza vana vavo ukuwo ndini ndainge ndingori zimhandara ravo rimwe chete saka vaisatomboda kuona hupenyu hwangu huchiparadzwa vakatarisa .
Asi zvakadaro vachindidzivirira kudaro ini wacho ndainge ndava kutoda Daniel zvakapfurikidza kudarika kare handizivi kuti ndainge ndapindwa nei kuti ndirwo rudo rwacho here hameno .
Pandakasara panze na Daniel ndainyatsonzwa ropa richimhanya mutsinga umu uku ndiine mufaro wakapetwa kashanu chaiko ,pandakazotevera mumba mushure mekanguva ndakawana mhamha vachingombeya mbeya musitting room mese vakabata muchiuno.
Her : _"Saka uri kutorevesa here nhai mwana waAdmire kudzokerana nechikomana ichi une shuwa here nezvese zvaakakuitira ??uri kunyatsovavarirei pachipfambi ichochi nhaiwee?"._
Me : _"Sorry mhamha hakusi kuti ndave kukudheererai kana kushaya rukudzo kwete asi kuti Daniel ndomuda nemwoyo wangu wese ,pese apa ndaiedza nepandinokwanisa kumukanganwa asi ndaitotambisa nguva mhamha"._
Her : _"Hayaa inga zvazvakatooma nhai ,unoziva dai baba vako vakandiitira matakanana awakaitirwa nechikomana chako ichochi kutaura kuno dai pasina musha wauri kuona uyu, asi iwe hameno mashura auri kuda kundiitira hako nekusvika kwawakaita uku ungati ungashaya umwe ari nani kupfuura izvi woenderera mberi nehupenyu?"._
Me : _"Ndongoti makorokoto kwamuri mhamha hamuna kusangana nezvandasangana nazvo nekuti hupenyu hunosiyana,with all due respect mhamha hapana umwe wandichawana arinani kunze kwaiyeyu mhamha l can feel it"._
Her : _"Haiwa tibvirei apa pwai can feel it ,pwai can feel it kuita sei ? vana vemazuvano nharo apa hamuna chamunoziva bvunzai isu takabva neko kumhunga hakuna ipwa ,munofunga kuti murume musvinu anongowanikwa nyore nyore nhai munotosanganawo netype iyoyi motoona kuti future hapana mototsveta kuenda panext step zvino imi hamuoni nharo basi"._
Me : _"Hamusi kunzwisisa zvenyu mhamha zvimwe zvese tingataura zvedu asi mukomana wangu ndinomuda handina zvandingakwanisa kuita asi ndiri kungokukumbirisaiwo kuti mumuregerere momutambira zvekare sematambiriro amakamuita pakutanga ndizvo bedzi zvandiri kutarisira kubva kwamuri"._
Her : _"Hezvoo izvi zvinotokunda ngoma kurira inga mushonga waakakudyiisa wakaoma chaizvo mmmh hameno imboitai pangu ndasakura ndazunza"._
Aiwa kuna mhamha aitove makata chaiwo vainge vasisatodi kuti ndidanane na Daniel zvachose ,chavaingoda chete ndechekuti ndiite move on asika munongozivawo kuti chada mwoyo hachisiike inga hamba yakada makwati wani inofa irimo mumakwati ayo.
Wangu mwoyo wainge wanamira zvekuti hapana zvandaikwanisa kuita asi kutokanganwa zvese zvakaitika hupenyu hwoenda mberi.Apa ndainge ndanyatsodzamisa pfungwa ndikafungisisa ndokuona kuti hazvaigona kuti ndorasikirwa nezvese humhandara hwangu pamwe chete nechido chemwoyo .Craig ainge angonyamarara asingatozivikanwe kuti akatizirepi zvichireva kuti ainge atohwinha kwake atopunyuka hake ko iniwo zvangu chandaizozviomesera chaiva chii?.
Pachingezi vanobva vati _*Life is too short, enjoy every moment and that moment is your life*_ ,saka zvaivepo kutongoita zvinoda uye kufadza mwoyo wangu nekuti uhu ndihwo hwaiva hupenyu hwangu zvimwe zvizhinji zvozotevera.
Chandakadzidza chete ndechekuti _*Forgiveness is the key*_ , vazhinji vakarasikirwa nezvavaidisa nemhaka yekutadza kuregerera chete saka ini ndaisazoda kurarama mumaregrets nemhaka yekutadza kuregerera.
Pamusoro pazvo chero ndirini zvangu ndainge ndatadzirwa asi munhu wese anodeserver a _*SECOND CHANCE*_ ,chero inini wacho........
End of Chapter 43
Keep Your Comments Posted!!!
Tobatana muchikamu chinotevera !!!!
Tochimirira Final Chapter ,tichipendera nganonyorwa yedu ....
🙏🏽🙏🏽🙏🏽🙏🏽