20/04/2024
Fungai akakura muimba yaitamburwa zvikuru ndokudzidza zvekutamburira.
Nekufamba kwenguva akakura asi haana hake kuzoita digree.
sevamwe akatanga kuita zvekuyambuka border achitengesawo semamwe madzimai.
Akazoroorwa zvakanakisa akachata, asi inzwa unzwe pamuchato ipapo akasungwa mbereko nasatan achishandisa hama.
Murume wake ainamata chaizvo saka vakagarisana kwemakore ivayo mazhinji vasina havo mwana.
Mabhizimusi ake akatanga kubudirira zvikuru mashoko akafamba ekuti 'ndosaka asingazvari nekuti ane chikwambo chinomutadzisa kubata mwana.'
Vehama kunyanya babamunini vake vakapindwa nasatan vakaenda kun'anga kuti zviparare.
Vakasvika kun'anga ndokunzi 'tsvagai mbudzi muuye nayo' ivo ndokudaro.
N'anga yakati 'handei mugomo nembudzi yenyu',
mhuri iyi yakakwira mugomo raive nemawere kune rimwe divi.
N'anga yakati 'svuurai makavi muuye navo vakasvuura.'
Hapano n'anga yotanga basa yaro, yakatora rwodzi ndokusunga makumbo embudzi ekumberi ndokuti
,"Iwe Fungai, ndinokusunga maoko ako kuti chose chauchabata hachibudirire,
yapedza yakasunga makumbo embudzi ekumashure ichiti ''chose chauchafambira hachibudiriri"
Mbudzi yasungwa yakachema zvikanzi nen'anga
"Hupenyu hwako iwe Fungai huchave hwemisodzi"
Hama(Babamunini vaya) dzakabva dzanzi simudzai mbudzi mukande kumawere, pavaikanda na'anga ndokuti
"Fungai tinokandira hupfumi hwako hwose kumawere, zvose zviparare kubva nhasi".
Pose pavaiita izvi, havana kuona kwaive ne munhu vaMwari, aive mujinga megomo (prayer mountain ) achinamata hake. Munhu waMwari ndokunzwa zvose zvaiitika, saka pavakakanda mbudzi munhu waMwari akaigamha, ndokubva ati
"Iwe Fungai ndinosunungura maoko ako kuti chose chauchabata chichaendeka, achisunungura makumbo embudzi emberi"
Akatizve "ndinokusunungura makumbo ako kuti chose chauchafambira chichabudirira"
mbudzi yasunungurwa yakati zii kunyarara akati ndinoti chienda murugare.
Mbudzi yakamhanya ichikwira mugomo mumatombo ichidanha ichifara.
Handiti tinoziva tose kuti mbudzi inokwira chaizvo izvo pamusorosoro pegomo.
Hama dzakabva pan'anga dzikanzi "musacheuka, muchanzwa kuti Fungai abhuroka."
Nemazuva mashomanene vakanzwa kuti Fungai ave kuenda kuDubai kunohodha zvinhu zvemaflea market ake, sezvo anga apuhwa nzvimbo nhatu nekanzuru.
Zvakavashamisa zvikuru,, asi vachiri mukati mekuvhunduka vakamuona ouya kumusha nezibango remota,, apa dumbu roratidza kuti aremerwa.
Iwe mudikani, iwe, Mwari watinonamata ndeweminana.
pavanenge vati wanyudzwa Mwari ndopa anokusimudzira.
Usavhunduke situation yauri nhasi ndati panaMwari pasi pegomo rauri kukandirwa.
Uti Amen satan risvotwe.