28/08/2021
Nhasi ndochifira chokwadi
Makeyi ndaive ndakati mwiro,
Mukati handiduri chinhu,
Zvino nhasi ndozvireva.
Munonditora seyenyu nhapwa nokuti,
Ndiri nherera.
Venyu vana vatova pamudyandigere.
Sembongoro handina zororo.
Runyanhiriri ndinovhima tsuro musango.
Asi Sembwa ndinoseva nemabhonzo.
Regai ndireve chokwadi.
Kana dziri mbatya ndaisarura.
VaChihera vachafema.
Asi nhasi zvigamba zvodurikidzana.
Zvipika dzangova tambo.
Ganda rashakara serenyati.
Ngundu mumusoro kunge n'anga,
Kana godobori.
Vechidiki vanonditi Chenzira nokuda kwehutsvina.
Meno sembewu yekenya angotsvukurukawo,
Pasi petsoka renge vhiri retirakita,
Nokuda kweman'a.
Sipo yekuzvishambidza wakandipa ndiyani zvake.
Munondipa gotsi amai.
Hongu handisi wemuura menyu.
Asi ndiri mwanawo.
Ndinoshuva kubatwa zvimwechete na Taruona.
Tarirai ini nemutana hapachine musiyano.
Tafanana pazvose nokuda kwenhamo yandishakadza.
Ndibateiwo semwana,
Chandakatadza chinyiko chasakisa mundidaro.
Ndinochemerawo raramo itsva mhai.
Ndakaguta musi wandasiiwa navaChihera.
Zuva nezuva matama anogarotota,
Sekumahombe kombe kwerwizi.
Nokuda kwemisodzi inogaroti mokoto,
Mokoto ichiyerera nematama,
Ndichiti pada mhere ingapedza shungu,
Pamwoyo nokuti bundu randinaro ringandiuraya.
Nyunyuto yangu ndaipira muzvokwadi.
Zvavewo kwamuri mhai,
Kundibata nekuseri kweruoko,
Kana kuti memukati maro.
Nokuti kana kuri kufa,
Nhasi ndangoshuvawo kufira chokwadi,
Chiri pamwoyo.