TAKU Stories

TAKU Stories Novels and Entertainment
Digital creator

05/05/2025

*Ndakamukwapaidza*

A small short story for today.
Author:CT Dumbu.

Zuva raipisa kuita senge raida kusvotesa zvirimwa zvakange zvaoma kare nekutsva.Gore iri ra 2008 zvaive pachena kuti raizove renzara sera 1992 rataingoudzwa.Sangano reCARE zvairatidza kuti raizoramba ririmo mudunhu medu zvichitevera chimiro chaive nezvirimwa uye mamiriro ezvinhu munyika.VeCARE ndivo vaipa vanhu hupfu,bota,bhinzi,mafuta ekubikisa,barley nezvimwe kuri kuedza kurwisa nzara yakanga yopfunya chisero.
Vachiuya kuzopa rubatsiro vesangano reCARE vaiedza kuchengetedza hupenyu hwevanhu hwaive parumananzombe.Chavasina kuziva ndechekuti kune vamwe vaizorasikirwa nehupenyu mumaraini nekuda kwerubatsiro urwu.Vamwe vairoiwa vachifa nenhau yekugoverwa kwechikafu tisingakangamwi vamwe vaiurairwa chigaro chekuva Sabhuku muraini.Sabhuku ndiye aigovera chikafu saka chigaro chake chakange chawedzerwa huremu nekudaro kuurairana huSabhuku chaisava chinhu chainyanyoshamisa zvacho mumaruzevha.
Mombe takange tadziunganidza mubani kuti timbowanawo kuzorora nekutamba neshamwari chero zvazvo kwaipisa.Panguva iyi ndakange ndiri chikomana chemakore gumi nemashanu ndichiita Form 3.SeWeekend kudai taiienda kumombe kuzorodza vaifudza pakati pevhiki isu tiri kuzvikoro.Ndivete pasi peMusekesa mubani takamirira kutamba bhora, pfungwa dzangu dzainetseka.Zvakanga zvaitika kuchikoro nezuro zvairamba kugamuchirika zvachose.
Kuti ndifunge kuti Memory kamusikana keForm 2 kaidiwa nevazhinji kakanga kandida zvezuva rimwechete kachizondiramba mangwana acho zvaindibaya baya pamoyo.Hongu musi wandadiwa naye waive musi weCivics day ndakapfeka mbatya dzekukwereta,asi akazosvitsa nyaya yacho kuna Memo ndiyani?Chinonakidza pakurambwa kweumwe chii ipapa?Ndakange ndozvibvunza mibvunzo gumi nevafararira asi chokwadi chaive chekuti yakanga yadeuka yemuguchu.
Ndakazobviswa mundangariro nezhowe zhowe revamwe vakomana vakange vouya nemombe dzavo kubani kune vamwe kuzowana kuzorora nekutamba bhora.Ndakazviudza musi uyu kuti wose achange asiri muTeam yangu pabhora acharipa mhaka iya yekurambiswa kwandakaita.Ndakanga ndazvipira kunzvenga vanhu nekumwisa sendakagarwa neshavi kuti zvimwe bundu rekurambwa raiserera.
Patakangoti titangise bhora kudai,ndakanzwa inzwi rambuya vangu richidana.
"Taaakuu!", Ndairiziva zvikuru izwi iri nokudaro ndakasiya bhora ndomhanyira kwaibva izwi.
"Mari iyi,mhanya kwamai Fadzi unotsvaga paraffin.Iti vamwe vako vakutarisire mombe womhanya kuti ukurumidze kudzoka", mbuya vaitaura vachinditambidza dzuwatsuwa remari yema Bearer Cheque yaishanda nguva iyoyo.Handichazivi kuti aive maBillion mangani asi yaikwana bhodhoro rimwechete re paraffin.Iyo paraffin yacho munoti yaimbove nekumeso here?Baba Fadzi nemudzimai wavo vaizvibikira paraffin iyi nemasaga nemapepa eplastic.
Zvavaiita vaidai ,Vaizadza mapepa muhari huru yakanamwa mativi ose zvawo asi yaizoisiiwa ine buri raibairwa imwe pipe.Pipe iyi yainofuura nemumvura saka hari yakanamwa kana yaiswa pamoto mapepa aive mukati aitsva kusvika hwave hutsi.Hutsi uhwe hwaizopinda mu pipe iya yaiiswa paburi hwofamba huri mupipipe.Pipe paraipinda nemumvura hutsi huya hwaitonhora hwochinja kubva kuve hutsi huchiita modonhwe emvura inoyerera.Iwaya madonhwe ndiyo yaizove paraffin yacho.Nhamo yakange yodzidzisa vanhu nzira dzekugadzira zvinhu.Sekune imwe nzvimbo isina vazhinji vanoziva,Chakata dzakange dzogadziriswa svutugadzike(tea).
Ndakati chitsoka ndibereke ndakananga kwamai Fadzi sezvo moyo wangu waive kubhora randakange ndasiiswa namai vababa vangu.Ndichisvika pamai Fadzi paya ndakawana vasipo vachinzi vaenda kuchigayo nemurume wavo.Vakange vasiya vana vavo vaviri Fadzi naNhemiya avo vaive nemakore ari pazasi pegumi vose vari vaviri kudaro.Ndakaona zviine njere kugara zvangu ndakamirira varidzi vemusha sezvo vainzi nguva yakange yareba vaenda saka vaigona kunge vaive vave munzira kudzoka.
Ndakagara seri kweKitchen yaMai Fadzi moyo uchingofunga bhora.Nekune rumwe rutivi Fadzi nehanzvadzi yake Nhemiya vaivewo nedzimwe pfungwa.Pandakatanga kutukwa ndichinzi ndibve pamusha apa nezvana izvi ndakangoti kuita kwepwere hazvina basa.Zvechokwadiwo hwaive hudiki nekuti hakuna munhu mukuru angadzinga customer ine mari iri kuda kutotenga zvisina chikonzero.Ndakaramba ndakanyarara hangu ndichitukwa ndikati kuita kwepwere hadzina chadzinoziva.
Zvana pazvakaona kuti kutuka hakushandi zvakatsvaka zano repiri rekudimwaya ivhu.Ndakatanga kukushwa ivhu ndigere pasi ndikangoti regai ndiite moyo murefu.Mudzidzisi wedu weSunday school aigara achitikurudzira kuti chero tikadenhwa sei tisaite zvekurwisana kana kurovana nevamwe nekuti zvaivengwa naMwari.
Ndakanga ndongodemba kuti dai vana Mai Fadzi vachikasika havo kudzoka ndisati ndapara mhaka sezvo moyo murefu wangu wakange woita uchipera.
Fadzi naBhudhi vake vachiona kuti zve Ivhu zvaramba vakabva vachinja magiya.Vakanovhunha shamhu mbiri ndokuti uyu yake uyu yake.Nemhaka chaiyo yandanga ndapara zvekuti ndingarangwa neshamhu nepwere idzi ndakaishaiwa.
Paifamba vana ava vachiuya neshamhu ndaizvinetsa nekufunga.Ndoramba ndinyerere here ndoitwa party kana kuti ndotiza?Ndakazongoti mumoyo regai vauye vana ave vaedze zvavari kuda kuita ndigovaisa panzvimbo yavo chaiyo chaiyo.
Fadzi ndiye akatanga kuvhura chirongwa.Yaisarwadza hayo shamhu iyi kana tichiifananidza nedzatairohwa nadzo naVaMatanda kuchikoro kwaMapanzure.Nhemiya nemanyemwe akati handingasari achibva andichekawo neyake shamhu nemuhuro sezvo ndakanga ndakagara pasi.Iyi shamhu yepiri iyi yairwadza.Ndakanzwa hasha dzose dzekurambwa naMemo ndisina kana kupiwa chero mbundiro hayo dzichiuya pandiri.Umwe munhu aifanira kuripa chete!Handizivi kwakabva simba revanhu vatatu richiuya kwandiri,ndakangoona ndasumuka nehasha ndakananga Nhemiya sezviya zvinoita huku ine nhiyo kana wada kubata vana vayo.
"Pwaaaa!"Yakarira mbama pakashaiwa akabata muromo sezvo Fadzi akange obereka tsoka achitiza.Mbama yandakapa chikomana Nhemiya ndakanzwa ndega kuti apa ndakwapaidza munhu.Chanza changu chakakwana padama romwana asi zvigumwe zvakashaya nzvimbo padama ndokunozorora kumhino nekumuromo wechikomana.Ndakaona chana chichizeya kuenda kuruboshwe sezvo mbama ndakachitambidza nerudyi.Ndakatambunudza ruboshwe ndokuregedzera umwe mucheka wemba ndichidzosera munhu kurudyi kwaanga ambobviswa nembama yekutanga.Ndakaona turopa twobuda nemumhino ndikaziva kuti huturu ndakange ndawanzisq.Chakanga chasara kuita hushamwari nemhepo varidzi vemusha vasati vasvika.
Mukubwaira kweziso ndakakwanisa kunhonga bhodhoro rangu rekuisira paraffin, zvitsitsinho ndokutema gotsi ndoshamwaridzana nemhepo.Mbuya kumba vaida parrafin saka zano ndakamhanya ndichifunga zvekuti ndakazonosvika kwataifudzira mombe ndave naro.

"Munhu arova mwana wangu haanetsi kubata.Mai vacho vachataura kuti ndakatuma mwana ku paraffin asi haana kuuya nayo.Zvadaro ini ndichaziva kuti ndivo mai vane mwana akarova mwana wangu.", ava ndibaba Fadzi vakange votaura vachitengesera shamwari yangu Joe yandakange ndatuma paraffin.
"Chikomana chacho chinopfuura neparoad apo chichienda kuchikoro kwaMapanzure",Fadzi akazivisa baba vake asi chavasina kuziva ndechekuti bhururu wemhandu yavo ndiye aitonzwa nyaya dzacho achiita seumwe mutengi abvawo kumba kwavo.
Kana Joe anzwa hurongwa aizodii paya?Zvakava pachena kuti kushandisa kwangu road yekwana baba Fadzi mumazuva aitevera kwaitokona ndotsvaga imwe nzira.Ko dzaizivana here?

THE END.

05/05/2025

Whatsapp Channel.

18/02/2025

Makadii vatsigiri mose.Vanoda ma pdf from your author nevamwe inbox now.

21/06/2024

Isai maWhatsapp numbers if you want to be added in our new Whatsapp group.Invite friends

13/03/2024

Part 4
DENGA RECHINOMWE(SHORT STORY)

Pandakapepuka ndakatarisa nguva paphone ndokuona kuti 5 yakange yachaya.Besanwa neumvee-mvee zvakanga zvawanda pachiteshi chikuru muDurban zvichipupura kuti kwakanga kwayedzera basa kuvana vevanhu.
Ndakabutsa satchel raive kumusana ndotora tauro rekugedzesa raivamo,ndokuenda pa tap kwakunyorovedza tauro riya.Ndapedza ndakazvipukuta kumeso nemumusoro ndichibva ndazogeza mukanwa mangu nemvura chete.Ndiyani aiziva zvimwe mberi kwandaienda uko ndaizonotsodwa?Zvino ndiyani angafarira kiss yemunhu anonhuwa mukanwa?Ndiko kunanzviswa huchi hune ivhu.
Ndakabaya nhare yangu ndotumira sekuru vaFaith Whatsapp message.Ndivo vamwe vevashoma vaiziva kuti ndaiva muguta reDurban panguva iyi.Sekuru ndaivazivisa kuti vachiuya kuzonditora toenda hedu kwavaidai kugara nemwana wandaidisa.
Kambo kaMambo Dhuterere kaidandauka paphone yangu iyo yaidyidzana nema bluetooth headphones andanga ndakati kwiba pamusoro akaputira nzeve.Ndakazvitora maselfie ndokutumira Faith ndichimubvunza kumuka.Shasha kana kuziva kuti kutsi kunei,Willo akanga apindira padhorobha akavanzira umwe wake.
"Nice pics but iwee why wakaisa tu tint mumusoro nhaiwe?Mapics aya ndichangomachengeta asi handimbotaridzi kule ne gogaz coz havazvifariri", ndiFaith aidaro aona maphoto andai sender.Ndakaseka nechemumoyo ndichiti ,"Ndiri kutouya ndakadaro".Ndakambopindwa nepfungwa yekuti ndigerwe hangu zuda asi hapana anogera aiwanikwa panguva dzakadai.Chero aiwanikwa ndaimuwanepi muguta randisingazivi?Sekuru vainge vatove munzira kuzotora jaya raidikamwa nemuzukuru wavo.Kana vaizosvika vowana ndichigerwa zvaizoreva kusarongeka.
Zvakaitika ndezvekuti mazuva anga adarika ndakanga ndagerwawo cut yangu yakanaka.Aigera akandikurudzira kuisa tumadonhwe tushoma twe tint kuti zvinyatsobuda,ini ndokubvuma.Zverwendo zvakazouya ndatogerwa nekuiswa tint yacho asi ndakazviudza kuti ndaingoenda ndakadaro.
Nhare yangu yakazhamba kuratidza kuti pane aifona.Wandaitarisira ndiye aifona,Sekuru.Takabatana ndokuuya pandaive tikakwazisana.Takafarirana zvakaita kunge takange tave nenguva tazivana.Ini hana yangu yaiita seichapoya neparutivi nekufara.Ndaizopinda mudenga rechinomwe chero kouyei.
Takafamba toenda kunotsvaga maTaxi aienda kuPhoenix kwavaigara.Ipapo ndipo pandakaona kuti guta reDurban raive muhapwa chaimo megungwa.Kubva muguta uchimhanya waisvika pamahombe kombe usina kana kutura befu.
Takapinda muTaxi zvakanaka naka toenda.Nechangu chimoko taingotaura nyaya dzingori ordinary vana ndakusuwa,tichaonana soon nezvimwe paWhatsapp.Mumoyo ndaiziva hangu kuti aive maMinutes mashoma shoma kuti tionane.
Takapinda muPhoenix macho membiri.Iyi nzvimbo ine maIndia akawandisa mazhinji acho aine ganda rechitema.Kambo kaMaster KG kekuti Jerusalema kakange kachangoburwa nguva iyoyo kachiitwa seNational anthem nevema Taxi. Nguva dzakange dzonanavira kuna 8 apo taifamba tosvika pamba paSekuru.
"Inzwa muzukuru",vakadaro sekuru nguva iyoyo tainge tamira padivi penzira.
"Ehe",ndakadavira.
"Pamba patiri kuenda ndeapo.Imba yepiri kubva pano.Ndasiya ndanyepera mbuya vako naFaith kuti ndiri kuenda kubasa pane 1 or 2 zvandinoda kuita asi kuma 10 ndinenge ndadzoka.Ndavaudza kuti ndogona kuzouya neshamwari yangu",vakapedzisa sekuru.
Ndakamboseka ndobva ndati,"haa makaoma saka todii pano apa nesurprise iyi?"ndakabvunza.
"Ini ndichapinda mumba ndoti ndazorega kuenda kubasa.Iwe unosara wakamira paDoor rekunze.After 2 minutes ndapinda iwe uchagogodza door zvakasimba.Ipapo ndichati Faith enda unotarisa kuti ndiani ari paDoor.Pakadii?" vakabvunza kule ndikashaya mhinduro.Nyemwerero yangu yakavaudza kuti ndazvifarira chose.
Zvatakaronga zvakaitika,Sekuru vakapinda mumba ini ndiripo pamusuwo.Ndakanzwa manzwi vanhu votaurirana mukati.Maminitsi maviri achipera ndakatanga kugogodza mukova.Ndakanzwa mutsindo wemunhu aiuya kuzovhura.

04/03/2024

Part 3
DENGA RECHINOMWE(SHORT STORY)

Munzira ndaichinjanisa zvekuita.Rwaive rwendo rurefu rwatiri kutaura nezvarwo.Semunhubakabva kubasa achipinda parwendo ndinodaira kuti munonzwisisa kuti hwaive husiku hwaifambwa rwendo urwu.Ndaiti ndikambopfeka maHeadphones angu ndoterera nziyo mbiri kana nhatu paphone.Ndadaro ndaigona kumboteerera mimhanzi yairidzwa mumota umu.Pamwe pacho ndaimbotarisa nepaWindow ndichiona nzvimbo pataifamba tichipfuura nepo.Ndabhowekana ndaimboverenga maNovel maPDF andaive nawo muphone kuti nguva dzifambe.
Panzvimbo dzaitengeswa chikafu taimira totenga,vaidawo kushandisa chimbuzi vairangarirwawo kana tasvika panzvimbo dzakafanira.Munziramo ndaitaura zvangu nemudiwa wangu paWhatsApp.Ndaimuudza kuti ndikawanda nguva mwedzi waitevera ndaizomushanyira.Mai Nhiya vaifara zvavo vasingazive kuti munguva pfupi yaitevera taizenge tiri tose vochifara chaizvo kunge vari mudenga rechinomwe.
Audi yakadya mitunhu tikapinda muMaritzburg.Chiringazuva changu chairadza kuti 00:14 kureva kuti takange tave muzuva raitevera.Momota vamwe vaikotsira asi ini Jinda rehope musi uya harina kundishanyira.
Takupfuura nepadhuze dhuze ne Harry Gwala Stadium muMaritzburg imomo ndakangotarisa nepaWindow.Munguva pfupi pfupi takange tapinda muPine Town kamwe kadhorobha kadiki kari padhuze zvikuru neDurban.Hana yangu yaiwedzera kurova nemufaro.Nemudiwa wangu takange tawonekana paWhatsapp achiti ovata neniwo ndichiti ndovatawo sezvo nguva dzapera.
Takazonosvika paDurban Station dzave kuma 3 mangwanani.Paivewo nevanhu vaipesana pesana kufamba.Vamweo vakange vachidzipfodora hope vakamirira kuti kuedze.Mapurisa nemaGuard aionekwa apo neapo vachichengetedza vafambi pachiteshi.Izvi zvakandipa kudekara kuziva kuti iri raisave dambiro rembavha.
Pasina nguva refu ndakange ndagara pane chimwe chibhenji zvangu.Zvaitaridzika sekuti muchinda wehope akange azondishanyira zvake.

01/03/2024

Part 2
DENGA RECHINOMWE(SHORT STORY)

"Saka nhy Willo wotonokavira bhora mberi ka wosiya mwana ave nenhumbu?", akadaro Godfrey mukomana wandaishanda naye achiseka.Godfrey taishanda tose basa rechi guard irori.Mukomana uyu aibva kuMhondoro kwaMubaira.Taive vatatu varindi Ini,Godfrey neumwe ainzi Ripfumelo aive muChangani asi chiri chezvarwa chekuSouth Africa achibva kuGiyani.Taishandidzana zvinodadisa pautatu hwedu.

"Ndakataura wani kuti handisi kufambira izvozvo wani Goddy." Ndakadaro ndichibvisa uniform yechiSecurity yandaive ndaswera ndakapfeka ndiri muGuard room.
"Zvandavimbisana naFaith shamwari zvikuru ndakambokuudza.Plus zvandiri kumushanyira paOff ndiri kuenda kumba kwasekuru nambuya vake vaanogara navo kuDurban saka hapana pangafe pakaitika zvakadaro.Kunyangwe dai ainzi aigara ega Faith wacho ndanga ndisina hurongwa ihwohwo.Chimoko changu munhu akazvichengetedza", ndakapedzisa kudaro ndatopfeka dzangu mbatya,iyo uniform ndaiturika pachipikiri chaive muGuardroom mandaichinjira umu.

Zvaiitika ndezvekuti ndaibva kumba ndiri mumbatya dzangu,dzebasa ndaidzipfekerako dzichisarako.Izvi ndaizviitira kuti vanhu vasanyatsoziva kuti ndaiita nezvei kwandaigara.Goddy akanga auya kuti apinde paShift yemanheru ini ndakanga ndaswera ndichishanda masikati zvichireva kuti ndaive ndochaisa.
Zororo remazuva matatu randakange ndapiwa ndaive ndazvipira kunoona chidochemoyo wangu.Chero zvazvo paive pakati pemwedzi ndasara nemari shoma shoma ndakanga ndazvipira kuti chero zvidii ndaienda Durban.
Musi wandaitaura naGoddy uyu ndiwo waive musi wekupedzisira kushanda.Mazuva matatu aitevera yaive Off ndichizodzoka kubasa pane rechina.
Ndichibva pabasa ndakanaka paroad ndokunotora taxi iyo yakanondisiya kuOlivenhoutbosh kurokesheni kwandaigara.Dai paive nevaiva p**o neni vaiwona nyemwerero isingatsananguriki shasha ichisvika pamba payo.Satchel yakange yatorongedzerwa kare yakanzi katya kumusana,pasina maminitsi chikomana chakange chabuda zvakare pamba chaigara chomisa maTaxi.Rwendo rwuno chainge chotsaga maTaxi eJorburg.Mudhorobha reJorburg ndimo maizowanikwa mabhazi eDurban.
Ndiri muTaxi yeJorburg ndakamboseka zvangu ndichifunga zvaizoitika mberi.Faith pachake akange asingazvizivi kuti ndiri munzira kuuya.Yaive surprise visit.Sekuru vake ndivo chete vaiziva nyaya yekuti ndaive munzira.Ndivo vakanga vandifurira kuti ndiuye asingazivi.Kana mbuya,mudzimai wasekuru vaive murima zvakare.Paida kuitwa zvemufirimu ipapa.
Tsoro yakanga yarongwa zvakanakisa.Handizivi kuti aive masanga here eZvinhu kana kuti mhanza nekuti Off yangu yakanga yasvikirana nguva imwechete neyaFaith.
Taxi yandakwira yakanondisvipira pamoyo weguta reJorburg paMTN Taxi rank.Apa pamuzinda wematsotsi nekubirwa kwevanhu zvinhu.Hapaitirwi munhu tsiye nyoro apa.Haisi nzvimbo inovaraidza kuva pairi kwenguva refu.Ndichiburuka taxi ndakafambisa kuita semunhu aizva kwaaenda iko kuri kunyepera.Ndakasvika pane vamwe mai vaitengesa michero ndichibva ndatenga maBanana nemaApple zve R20.Ndapedza kutenga ndakazobvunza mafambiro kuti ndisvike kuPark Station chiteshi chikuru chemabhazi muJorburg.Mai vaya vakanditsanangurira gwara ndichibva ndafamba ndakananga kuPark Station.
Kunopinda paPark Station ndakawana chiri chipata pata.Mabhazi aive azere aienda nzvimbo dzakatsaukana muSouth Africa.Aivepozve mabhazi aienda kune dzimwe nyika andakaona apa.
Ndakatenderera ndichida kuona ma prices emabhazi aivepo aienda kuDurban.Ndiri pakutsvaka ma prices kudaro ndakasangana neumwe mukomana aiti anoda vanhu vatatu vekutakura nemota vaienda kuDurban.Mari yaakataura yaive shoma chaizvo zvichienzaniswa neyaitaurwa nevemabhazi.Semunhu aivewo nechikwama chisina kunyatsomira zvakanaka ndakajambira mukana uyu ndichibva ndatevera nemukomana uya.
Muzvambarara wemota yerudzi rweAudi A5 iri chena ndiwo watakasvikopinzwa.Ini ndakanogara mberi ikoko naDriver rwendo ndokutanga.

04/02/2024

Part 1
DENGA RECHINOMWE(SHORT STORY)

NaFaith taidanana zvisina mukare akamboona.Ndirwo rudo runobhebha rwakaimbwa neuya akaimba kambo kanonzi 'Mebho ndokungokuda wakadaro'.

Ndaizvinzwa mupfungwa,muropa nemunyama kuti rudo rwandipinda.Ndipo paya pekuti unoita seuchafonera vawakambodanana navo ukavaramba zvekare.Taive tava varanda verudo,tachinzi nganganga mbiradzakondo.

Zita rangu ndainzi Willard Shava,vakapindwa nechimanje manje vachinditi Widzo.Makore ekuberekwa ndaive ne26,uye semarevere andaita ndaidanana neimwe mhenya yainzi Faith Murisi.Ndaigara kuPretoria kuSouth Africa kunova kwandaishanda.Wangu musikana aivewo kuSouth Africa kwakare asi achigara mudhorobha reDurban.

Kubva Pretoria kuenda Durban pane mutunhu murefu kwazvo asi hatina kutendera distance kuti ivhiringe rudo rwedu.

NaFaith takanga tazivana tichiri kuZimbabwe sezvo taipinda chechi tose.Zverudo zvakatanga hazvo tave kuSouth Africa kwatanga tatizira kutsvaka chouviri sezvo mabasa ainetsa kumusha.

Basa randaishanda semuchengeti kana kuti mahobho raisave nema off zvekuti nguva zhinji dzaiperera pabasa.Ndaiti kana ndisiri pabasa husiku ndinenge ndiripo masikati.Off raive zuva rimwe pavhiki zvakaita kuti kushanyira mudiwa wangu chive chinhu chakaoma kudarika kutsenga matohwe nemavende.

Rimwe zuva murungu wangu akandipa nhau dzakaita kuti ndinyemwerere semupositori aona masamba akachipa.Ndaive ndanzi ndive nemazuva matatu eOff vhiki yaitevera.

Address

Masvingo

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when TAKU Stories posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share