Deveteve Cultural Village

Deveteve Cultural Village On a Mission to Re-Ignite the LOVE for, APPRECIATION and UNDERSTANDING of OurCulture, History and Ide

        Deveteve Cultural Village
10/09/2024

Deveteve Cultural Village

19/07/2024

CHII CHINONYATSONZI CHIVANHU CHACHO CHAICHO
Dai tagona kuziva kuti icho chinombonzi Chivanhu chacho ichocho chii, kuitira kuti tisarasike pamwechete nekurasa vamwe kunyanya pwere dzirikutevera idzi:
Chivanhu haasi machira kana mafuko emidzimu chete
Chivanhu haisi nyaya yeBute, Mudombo kana Mavave chete
Haingori nhau yekurara kumabira chete
Haisi nyaya yekutenga Tsvimbo, bakatwa kana ndiro dzemiti
Ngatipabatisise ipapa.
Chivanhu hakusi kurara kuBira chete
Chivanhu chinosanganisira kurarawo kunhamo kune vamwe uchichema nevamwe
Chivanhu haisi nyaya yekutenga Mafuko / machira hobho hobho
Chivanhu chinosanganisira kutengerawo vabereki Chokufuka pamwe nekuvachengeta
Chivanhu hazvirevi kungokudza nekuremekedza vakatisiya kare,
Chivanhu chinorevawo kuremekedza nekukudza vakuru kwatiri vapenyu varipakati pedu nanhasi uno
Chivanhu hazvirevi kuomberera midzimu chete
Chivanhu chinoreva kuombera nekukudzawo vabereki
Chivanhu hazvirevi kuchenera matare kwemazuva matatu
Chivanhu chinosanganisira kuchengetedza zuva rimwe iroro reChisi
Chivanhu haisi nhau yekunopinda mumaninga nemumadziva chete
Chivanhu kuenda kwaana tezvara, kunobvisa roora nekupedzesa zvikwereti
Chivanhu haisi nyaya yekungokudza varikumhepo chete
Chivanhu zvinoreva kukudzawo Baba vemumba kana Amai vemumba tichichengetawo dzimba
Zvizhinji zvatinoda kudzidza,
Hunhu, Tsika, Magariro, ndooChivanhu
Mashoko kubva kuzvinyorwa zve
Deveteve Cultural Village: 0782 016 512

05/07/2024

Tati tingoyeuchidzana kuti Nyamavhuvhu (August) aakutosvika.
Muna Nyamavhuvhu tine zororo remagamba musi wa 12 -13
Ku Deveteve tine nzvimbo yekuzororera misi yese iyi

05/07/2024

CHII CHINONYATONZI CHIVANHU CHACHO CHAICHO
Dai tagona kuziva kuti icho chinombonzi Chivanhu chacho ichocho chii, kuitira kuti tisarasike pamwechete nekurasa vamwe kunyanya pwere dzirikutevera idzi:

Chivanhu haasi machira kana mafuko emidzimu chete
Chivanhu haisi nyaya yeBute, Mudombo kana Mavave chete
Haingori nhau yekurara kumabira chete
Haisi nyaya yekutenga Tsvimbo, bakatwa kana ndiro dzemiti
Ngatipabatisise ipapa.

Chivanhu hakusi kurara kuBira chete
Chivanhu chinosanganisira kurarawo kunhamo kune vamwe uchichema nevamwe.

Chivanhu haisi nyaya yekutenga Mafuko / machira hobho hobho
Chivanhu chinosanganisira kutengerawo vabereki Chokufuka pamwe nekuvachengeta.

Chivanhu hazvirevi kungokudza nekuremekedza vakatisiya kare,
Chivanhu chinorevawo kuremekedza nekukudza vakuru kwatiri vapenyu varipakati pedu nanhasi uno.

Chivanhu hazvirevi kuomberera midzimu chete
Chivanhu chinoreva kuombera nekukudzawo vaberek.
i
Chivanhu hazvirevi kuchenera matare kwemazuva matatu
Chivanhu chinosanganisira kuchengetedza zuva rimwe iroro reChisi.

Chivanhu haisi nhau yekunopinda mumaninga nemumadziva chete
Chivanhu kuenda kwaana tezvara, kunobvisa roora nekupedzesa zvikwereti.

Chivanhu haisi nyaya yekungokudza varikumhepo chete
Chivanhu zvinoreva kukudzawo Baba vemumba kana Amai vemumba tichichengetawo dzimba.

Zvizhinji zvatinoda kudzidza,
Hunhu, Tsika, Magariro, ndooChivanhu

Mashoko kubva kuzvinyorwa zve
Deveteve Cultural Village: 0782 016 512

21/06/2024

TRADITIONAL BACHELOR'S PARTY
Tingaiti Bachelor's Party here?, Kana kuti toipa zita rekutiii nekuti tanga tisingadi rechirungu kkkkk,
Asi iyezvino taakuda kumbodzokera kutsika dzedu chaidzo, Kunyanya munyaya dzekuroora nekuroorwa apa, Apa panenge pane nyaya apa, nekuti vanhu kungoti chatei nhasi, mwedzi mviri, mitatu inotevera ratoo Gupuro, Todii nhai, chiiko chirikumboitika.
Isu takaitawo tsvakiridzo yedu se Deveteve Cultural Village, zvikonzero zve gupuro zvatakasanganawo nazvo ndezvinoti:
1. Kushaya dzidziso chaiko, kutoshaya chaiye anodzidzisa Mwanakomana kana Mwanasikana aakupinda mumba kuti Chii chinombonzi imba, ko kuchengetedza imba kuita sei, nezvimwe zvidzidzo zvakawanda wanda zvaipiwawo vekare pavainge vopinda mudzimba, asi nhasi ruzivo irworwo haticharuwani zvekumhanya.
2. Kusava nenyama dzakasimba, ehe, Nyama, ndizvozvo chaizvo, mandinzwa, Nyama dzakasimba. Vekare vaizosara vopinda mudzimba asi vakatogadzirwa kare panyama dzavo kubidikidza nemashizha, midzi kana makwati avaigadzirirwa nevakuru vavo, saka nekudaro dzimba dzavo hadzaisangana nedambudziko raveko mazuvaano rekusagutsana muimba yemukati, izvo zvokonzeresa kuparara kwedzimba dzichiri diki,
CHITENDERANO CHATAKAITA
A) Mushure mekunge taona matambudziko aya arikukonzera kusamira kwemisha, takarangana isu sedare re Deveteve Cultural Village kuti tikwanise kunge tichipa Vanakomana ne Vanasikana ruzivo rwakakwana rungaite kuti dzimba dzizomire zvakanaka.
Nekudaro tavo navo vakuru (Madzisekuru zvese ne Madzimbuya) vakamirira irori basa.
B) Takazogarazve pasi neMagodobori tikawirirana kuti kana naivowo vane basa guru pakuedza kupedza dambudziko rekusamira kwedzimba. Saka takawirirana kuti Magodobori achatigadzirirawo mashizha, midzi nemakwati ekuti tigare tagadzira nyama dzevana vasati vapinda muwananano.
MANJE TICHAITA SEI
Manje taakusandura riye ramaiti Bachelor's party taakuriita ratingati Traditional Bachelor's Party, apo tichange tichigadzira munhu kuti apinde mumba avemunhu kwaye.
ASAKA TINENGE TICHIZVIITA SEI
Tirikuti uyo aakuda kuzochata kana kuroora ngaauye iye nemashamwari ake, vauye ku Deveteve Cultural Village, Kumwa nekugocha hakurambidzwe musi wacho asi chakakosha kupfuura zvese ndechekuti VANHU VANOFANIRA KUDZIDZISWA KUMISA DZIMBA. Saka kana mauya muchadzidziswa nevakuru vari pakati pedu kuti dzimba dzinomiswa sei, chinonzi imba chii, chinonzi HUbaba chii, huye kana makasununguka ndipo pamunochigadzirwawo Nyama dzenyu kuti kana monopinda mumba zvenge zvakarongeka.
Sakla kubva parizvino, tibatsireiwo kuzivisa nyika yose kuti ndoorimwe basa rakanaka rataakuita kuno ku Deveteve.
Izvi zvatataura zvinoitwa futi kana kuvanasikana vavekuda kunoroorwa kuti vanogara zvakanaka kwavanenge vaenda.
NDATENDA HANGU~ 078 201 6512

05/06/2024

kunonzi KUTANHAURA NZUNGU




Kuti mudzidze zvizere, Huyai ku Deveteve Cultural Village
Number dzekufona: 078 201 6512

05/06/2024



28/05/2024

Address

Munhondo Farm
Darwendale

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Deveteve Cultural Village posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share